James 5

Vafumi vasina tsitsi vanotukwa

1Uyai ikozvino imwi vafumi, rirai muridze mhere nekuda kwematambudziko enyu anokuwirai. 2Fuma yenyu yakaora, uye nguvo dzenyu dzakava dzakafusiwa. 3Goridhe renyu nesirivheri zvava nengura; uye urari hwazvo huchava chapupu kwamuri, uye huchadya nyama yenyu semoto. Makazvichengetera fuma pamazuva ekupedzisira. 4Tarira, mubairo wevaranda vakacheka minda yenyu, yakanyimwa nemwi nekunyengera, unodanidzira; nekuchema kwevacheki kwakasvika kunzeve dzaIshe wehondo. 5Makagara muumbozha panyika, uye makakarira zvinofadza; makakodza moyo yenyu sepazuva rekubaya. 6Makapa mhosva, makauraya wakarurama; haakupikisii.

Ivai nemoyo murefu

7Naizvozvo ivai nemoyo murefu, hama, kusvikira pakuuya kwaIshe. Tarira, murimi anomirira chibereko chinokosha chevhu, anochiitira moyo murefu, kusvikira chagamuchira mvura yekutanga neyekupedzisira. 8Imwiwo ivai nemoyo murefu; simbisai moyo yenyu, nokuti kuuya kwaIshe kwaswedera. 9Musanyunyutirana, hama, kuti murege kupiwa mhosva; tarira, mutongi amire pamukova. 10Torai vaporofita semuenzaniso wekutambudzika, hama dzangu, newemoyo murefu, vakataura nezita raIshe. 11Tarira, tinoti vakaropafadzwa vanotsungirira; makanzwa zvekutsungirira kwaJobho, uye makaona kuguma kwaIshe, kuti Ishe ane moyo munyoro kwazvo uye ane tsitsi.

Musapika

12Asi pamberi pezvese, hama dzangu, musapika, kana nedenga, kana nenyika, kana nekumwe kupika kupi; asi hongu yenyu ngaive hongu, uye kwete, kwete; kuti murege kuwira mukutongwa.

Kunyengetera kune simba

13Kune umwe anotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere. Pane anofara here? Ngaaimbe mapisarema. 14Pane anorwara pakati penyu here? Ngaadane vatariri vekereke; uye ngavanyengetere pamusoro pake, vachimuzodza namafuta muzita raIshe; 15uye munyengetero werutendo uchaponesa anorwara, uye Ishe achamumutsa; zvino kana akaita zvivi, achazvikanganwirwa. 16Reururiranai zvivi, uye nyengetereranai, kuti muporeswe. Munyengetero wakasimba wewakarurama une simba zvikuru. 17Eria wakange ari munhu wemanzwiro akafanana nesu, akanyengetera nemoyo wese kuti kusanaya; ikasanaya panyika makore matatu nemwedzi mitanhatu; 18zvino wakanyengeterazve; denga ndokupa mvura, nyika ikabereka chibereko chayo. 19Hama, kana umwe pakati penyu achitsauka kubva pachokwadi, umwewo akamudzora, 20ngaazive kuti uyo anodzora mutadzi pakutsauka kwenzira yake, achaponesa mweya parufu nekufukidza zvivi zvizhinji.

Copyright information for Shona